Mazita aMwariZanhi rinori ndere mazita akasiyana aMwari anoshandiswa, tichakoshesa mazita eChishona pamusoro uye tozokurukura nezvemamwe ekudzimwe nyika. AfurikaVashonaMwari (mu-ari) ndiro zita ratinoshandisa kakuru mazuva ose. Zita iri rinoreva "uyo ari", tichiwongorora ngezvepedyona tinovona kwazvo kuti hunhu hwe Chivanhu hwakafanan nohwechijudha, ngekuti pakatsanangura Mwari zita ravo kunaMhoze vakati "Ndiva Wandichava" kana "Ndiri Wandiri", izvi zvinoendarana nemadaniro avanoitwa muChivanhu patinoti Mwari. Nekuti tirikutaura kuti Mwari - Vari Icho Chavari.
Zame nderimwe zita rinoshandiswa kuturikira Mwari. Zita iri nderekare kwazvo, chirevo charo kana mavambo aro haanakunyatso gwarwa zvakanaka. Zita iri rakafanana nemamwe mazita anowanikwa muAfurika akadorongotswa pazasi. Nyadenga (nya-ɗenga) izita raMwari rinoshandiswa kuChishona pekare, rinotaura nezve nzvimbo yavo muzvisikwa, vari nechekudeka kwete nekuti vadogara mudenga asi nekuti vari pamusoro pezvose. Hapana chinoenderana kana kumiranisana naMwari. Mwari ndeve pamusoro uye vari pamusoro pezvose. Samatenga (sa-matenga) izita raMwari rinotaura nezve nzvimbo uye huridzi hwa Mwari. Mwari ndivo muridzi wezvose, matenga ndiyo nzvimbo isingasvikike isiri nyore kunzwisisa uye yaivonekwa seyekure, yakakura kwazvo uye yakanaka pakati pezvimwe. Mwari ndivo muridzi weMatenga, umwene hwavo hwunorakidza kusiyana kwavo nevanhu vasina ruzivo rwose saMwari. Musikavanhu (musika-vanhu) uye Musikazvose (musika-zvose) iri izita raMwari rinotaura nezve vukama hwavo nevanhu vanovavona semusiki vavo, Mwari varipanzvimbo yepamusoro nekuti ndivo vega vanokwanisa kusika vanhu. Pamusoro pezvo ndivo vakasika zvinhu zvose zvinovonekwa nevanhu, zvepasi ne kumusoro uye zvinovonekwa nezvisingavonekwi. Muvumbi uye Muvumbapasi (muvumba-pasi) Mutangakugara (mutanga-kugara) - zvinotaura nezvezera raMwari, nekuti ndivo vaivepo pekutanga, uye vakasika zvose zviripo kubva mavari. Samasimbaose (sa-masimbasimba-ose)- kureva Mwari vane masimba ose, vanogona kuita chose ne chose. Pasichigare - izita rinotaura nezve zera raMwari. Runji - rusingapfumi nguo asi rwunopfuma pasi..[1] Chipingikure kana Chipinkikure, kureva Mwari ndivo vanopingura zvinhu vega pachavo. Kuziva izvi ndiko kuziva kuti Mwari ndivo vanemasimba ekupingura zvinhu mumaoko avo.[1] Chirozva-mauya izita raMwari rinotsanangura hunhu hwavo, kureva ndivo vanorozva kana kuparadza zvivi. Chirozva-mavi-na-mavuya - kureva Mwari ndivo vanorozva kana kuparadza zvinhu zvakaipa (mavi) ne kuunza zvinhu zvakanaka (mavuya). Uye ndivo vanokwanisa kuvunza mavi nekurozva mavuya, izvi hazvirevi kuti Mwari vakaipa, nekuti zvinhu zvinoshata nekuda kwenguva nemaonera uye zvinonaka nechikonzero chakafanana. Izvi zvinodai nekuti munhu haakwanisi kuvona zvinhu sezvinoita Mwari hazvisi zvose zvinonzwisisika saka kurwadza kwazvo kunoita zvive zvivi. Sagomakoma - zita iri chirevo charo hachisati chawanikwa. Marure - zita iri chirevo charo hachisati chawanikwa. Dzivaguru (dziva-guru) - mvura inovonekwa sechinhu chinorera vupenyu. Mabviro eruzivoInformation related to Mazita aMwari |
Portal di Ensiklopedia Dunia